Psalms 45

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.

1Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka,
pandinodetembera mambo ndima dzangu;
rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.

2Imi makanakisisa pavanhu vose
uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha,
sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.

3Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba,
zvishongedzei nokubwinya noumambo.
4Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo,
makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama;
ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.
5Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo;
ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.
6Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri;
tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.
7Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa;
naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu
nokukuzodzai namafuta omufaro.
8Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia,
zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou,
kurira kwehungiso kunokufadzai.
9Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa;
kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.

10Teerera, iwe mwanasikana, rangarira,
uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.
11Mambo ayevedzwa norunako rwako;
mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.
12Mwanasikana weTire achauya nechipo,
vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.

13Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.
14Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo;
shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera
uye vanouyiswa kwamuri.
15Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa;
vanopinda mumuzinda wamambo.

16Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu;
muchavaita machinda munyika yose.
17Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose;
naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.
Copyright information for SnaBDSC